Being an adult in Zimbabwe ma1 boys hazvina kumira mushe kunze uku.

Ndiri muka open truck ndakananga zvangu pa den izvezvi so as i tweet.

Haaa small small thread.

Unenge wakatongo acceptor kuti mabasa hakuna, woti chirega ndizame kutongomhanya mhanya zvibatane otherwise unochembera uchiti ndine degree apa asi uchitokwereta shaving machine ya mdara uchitadza kutenga yako

Wapinda mu business, une chi hustle chakowo chawamutsa pa town

Business drains you mentally and exhausts you physically. In the process of trying to balance and maintain a healthy state, you find yourself sleeping early, missing events, because you’re tired and you need to rest.

You have very limited time for yourself, because every shred of attention is directed towards the establishment of what you’re doing.

You slowly become detached from friends, hauchatobatike, and sometimes family, and your social life mbichana mbichana becomes paralyzed.

Every cent you make is channeled towards the growing of your hustle. You never enjoy any dollar, because according to your calculations, dollar iroro rinotopusher business kumberi

You deny yourself the simplest of pleasures because u have to practice strict financial discipline otherwise u fall into debt

Unoswera uchinyora zama re finance mumusoro everyday uchingo calculater calculater. Kana apple chairo unotozotenga wadzifambira nyaya dzacho mu brain umu

Sausage and chips zvoita dollar mu Bakers inn, but unenge wakutogaya kuti manje mari ye transport ye week yakakwanirana iyi dollar iroro ndozori cover sei.

Sounds silly but many can relate.

Wotarisa bhutsu yako yekubasa. Haichatogone kugara yega yakapera heel zvekuti ukaiisa pasi inodonha ne side.

Hapana asingade kuchena, but haus pa position yekutora tuma dollars kuti utsvage ka shwada kanyowani.

Month end. Rent, magetsi, mvura, grocery, rent ye space mu town. Ma expenses acho atori 1 as to 1 ne ka profit kacho.

Apa uchada data kuti ugare uri in touch nema client, nemari ye transport ye next month.

Hehe. Unoita madzikirira wakamuka uri mu line re zupco pa copa cabana.

Grocery unobva wariisa kwekupedzisira pa priority list, wozotenga ne change inenge yasara.

2 litres mafuta, hupfu, salt ne rice wobva watarisa ku side. Ma basic goods chete chete. Dzimwe nguva kutotenga royco inenge yatove luxury , but unozongotengawo 2 kuti soup iite dignity.

Pa den pako panopedzisira patove pa PSC, because Panodyiwa Sadza Chete.

Unotosiya warirova makuseni woswera uchingorova hako mvura yekanzuru pa graft, wozoriona futi husiku wabva mu chi round

Unenge une chi 5kg chako chema chanks baba….wapedza kurova jembi ne chankivha rako pa breakfast wobva wanama Vaseline pamuromo wobuda zvako pa den wanaka.

Everything you do urikuzama ku saver mari, because the little that is coming is supposed to maintain the business newe wacho.

Ipapo madam inenge ichida kuonekwa.. apa iwewe hauna kana coin rekupindisa mu town risiri pa budget.

Unenge uchingopa ma excuse.

“This weekend I’m working, This weekend ndarwara,ndashaya ma shoelace ebhutsu, Taenda kumusha sekuru vamedza gejo”

Unozama kuti umbomuonesa situation but unozongonzi wakaomera. Hauudzwe but unotongoona kuti munhu wangu ndozvaakutogaya apa

Ndopanozongotanga kungoitwa ma moods chii chii, mazuvano ka ne WhatsApp GB munhu anongo pauser last seen, anenge aripo pa mhepo zvaake asingangode nezvako.

Ndopaunozopedzisira wakunyora ngano pa Twitter sezvizvi

But anyway iwewe munhu wako unenge uchimuda zvekutodaro, wotozongo sacrificer kunyudza kamari ke business kuti apinde mu town iri kana Saturday kuti umutengere pizza yaanogara achiti asuwa pa status yake.

But mari ye business ichada kudzorerwa ka iyi

U start digging deeper. Kutomboenda offside ne hustle rako kuti ungokwanisa kudzora ma points.

But the more you dig deeper, the lesser you become available.

Now it’s a series of kungonetsana ne munhu wako, because sometimes level re attention rinenge rakudiwa kuchi round ka, good morning yake unozoipindura kuma 2pm yatoshisha kare.

Iye haazvinzwisise, apa iwewe you’re not going to be available zvekudaro any time soon.

Kubasa ne ma on and off lockdown hazvisi kufaya, apa ne babe muri kunetsana rough, relationship inopedzisira yakutowedzera stress

Pa Twitter unenge uchitofamba nevamwe mu politics uchitoti Ngaapinde Hake Mukomana, asi deep down mumoyo ku mjolotics wakutoti Ngaaende Hake Musikana

Pa den une vapfanha, umwe wacho arikuda kutonyora ma exams apa ma teacher arikuuya kuzo marker register chete, team pa den riri kuda kutobatsirwa nemari yema extra lessons. Ndiwe mukomana mukuru ukufanira kuita action

Unotombogaya kuverenga ma notes ake womutsanangurira wega

Phone yako inenge yaku charger ne angle baba, irikutoda kugadzirwa charging port. Apa battery rakadhakwa, unoita 7 ma full charge pazuva.

Zvese izvi zvirikuda mari.

Haaa wangu 😂

Unotanga ku understander mdara wako zvaaireva kare paya uchiri grade 4 musi we pay achikuudza kuti handina mari.

Mari yacho inouya yakatoshanda yakapera.

Boys hakuna kumira mushe kunze uku. I respect each and every person trying to make ends meet.

Tiri kufamba takaremerwa mupfungwa. Pa town parikupisa but tongoramba tichizama.

So for amajita aphandayo, ahlanganisa impilo, ngithi hold on. Sizophumelela.

Huyai mumbotiudzawo zvamuri kusangana nazvo kunze uku ladies and gentlemen 😂