ENDLESS PAINS – Chapter 1

ENDLESS PAINS
BY Ellen
Chapter 1

Kubvira nguva yandakapepuka kubva muchiroto chaityisa kwazvo handina kuzowana hope zvakare.Ndakarota ndichimhanyiswa nezigudo zihombe kwazvo kusvikira randibata.Ndakapepuka ndiine dikita risingaite.Ndakatanga kufunga nezverwendo rwangu rwandaida kuzoita makuseni kuenda kuMount Pleasant for my new job interview.I had seen a post muSunday mail yemunhu aitsvaga Personal Assistant(PA).Munhu wacho aifanira kuva aine 5 O’levels including maths and English. Ndakangofonawo zvemiyedzo zviya and to my surprised ndakanzi ndizopinda mutown following morning kuti ndionane nemunhu wacho.

Oh please forgive my manners i haven’t told you my name yet???.My name is Tinotenda Gamba.I’m 20 years old.I stay with my grandmother (my mother’s mom) in Chitubu Glenora.I’m an orphan and I’m the only child my parents left.Gogo vangu vakura zvekuti havachagone kufamba a long distance without a walking stick.My parents died in a car accident when I was still 10 years old kuchizotevera Sekuru within a year.Ndakakura ndichigara nagogo vangu tiri vaviri.Ndivo vakandiendesa kuchikoro kusvika ndipedze O level. I came out with 9 subjects ndikazoshairwa mari yekuenda mberi nechikoro.Ndakamboshanda mutuckshop yevamwe amai for 2 years until ndazonetawo because mari yacho aiva ma1.Ndakagara nguva yakareba ndichitsvaga basa asi zvainetsa until pakuzoonawo post munewspaper.

I woke up around 5am and did all the house chores.Ndaitofanira kusiya ndaita zvese nekubika nekuti gogo havaizozvikwanisa vega.I took my bath and prepared for my journey.I wore my best suit yandaive ndakatengerwa nagogo vangu kumupedzanhamo yaive skirt nebhachi racho.Ndakaedza kudya asi zvakaramba maybe kwaiva kutya.Ndakatora $1 randaiva naro ndikaenda patuckshop kunokumbira macoins ekukwirisa kombi sezvo makombi ainetsa ema50 cents makusen so ndaizokumbirawo kuti ndine coin kuitira pakudzoka.Ndakaiwana change ndokudzokera kumba.Takaitana magoodbyes nagogo ndokubva ndatobuda kuenda kubusstop.Zvineiwo makombi acho aitodaidzira $1 kuenda mutown.I took almost 30 minutes ndiripo kusvika ndazogara pakadoma chaipo apa ndaive ndanonoka.Zvine manyawi kombi yacho yaifamba toti toti apa kumira streki.Ndakato complainer kuna driver kuti vaive vari kuwanza mabus stop kuita semunhu aive abhadhara mari yakakwana kkkkkkk.Ndakasvika mutown na8:30am apa ndaifanira kusangana namadam vebasa pana forth na8 O’Clock. Ndakaburuka kombi pamarket square ndokutanga kufambisa ndichienda kuna forth.The previous day kwaiva kwanaya so madhaka anga akazara zvisingaite. Kafoni kangu kakabva karinger kkkkk twuya twunonzi twumbudzi.Pandakati regai ndichidaira call iya ndakabva ndatsvedza ndokudhuma mumwe murume aive paside pangu.Takadonha tese ini ndichinowira pamusoro pake foni ichibva yawira kwayo battery kwaro.

Ndakasimuka nokukurumidza ndokuona murume uya achibatsirwa kusimuka nemumwe mukadzi.”Are you out of your senses girl,can’t you watch where you are going?”the man said apa ashatirwa zvino.”I..I…I’m ….”I stammered as I tried to apologise.Ndisati ndapedza kutaura ndakabva ndagamiwa nemukadzi uya”Do you know how much this suit cost?”she said pointing at the man’s suit apa yaive yazara madhaka.”Leave her alone sweetheart I think she’s crazy.I will buy a new one kana ndashaya totombodzoka kumba.”the man said vachibva pandaiva .Ndakanzwa kunyara.I picked up my broken fon yaiva yabva top glass ndobva ndatanga kufamba ndichienda.Ndakaisa battery muphone ndokuzoisa call back ndasvika pana forth paya.Within 2 minutes the woman phoned back.”Are you trying to play games with me girl.Ndakufonera wobva wakata call yangu and switched off your phone.Anyway wasvika here?”Ndakangokwanisa kuti yes ndobva ndanzi ndiuye parange rover yaive paChikurubhi rank.Ndakaenda ndokuwana mumota muine murume 1 kumberi nemukadzi 1 kumashure.Mukadzi uya akangonditi ndipinde mberi and we left.

Mai vaya vakandivhunza zvanga zvaitika kuti ndizononoka and I told her.Takananga kumba kwavo.Takasvika pazimba raiva rakanaka zvisingaite. It was an upstair. Takapinda mugate ndokuburuka.Pamba paive pakanaka ipapo. Maruva aisazivana.Aiva akachekererwa zvakanaka.Dzimba dzaiva kuMt Pleasant dzaiva dzakanisa zvekuti dzedu dzeku Glenora dzaisatombokwana.Takapinda mumba ini ndichitevera kumashure.Mumba macho maiwe??..maiita kunge mupalace chaimo.Ndakanzi ndigare zvangu pasofa and I was offered juice namaid wepo.

“Feel at home girl.This is my house. By the way what’s your name again?” the woman asked.”My name is Tinotenda Gamba.”I said.”Ok that’s nice.I’m Mrs Mada.Basa riri pano nderekuita personal assistant wemwana wangu.He has a company inogadzira bhutsu,hembe jeweleries and other stuffs. So arikuda munhu waanofamba naye kwakasiyana achizomubatsira pane zvaanoda.You with also go with him kubasa kwake uchiona kuti adya here etc.I shook my head in agreement.”Let me see your qualifications now.”??ndakashamisika nekuti ndanga ndatokanganwa kuuya nawo since I left in a hurry.”I’m really sorry madam.I came in such a hurry that I forgot to take them.”I said ndiine kutya.”Ndipo pazvinotangira ipapo. How will I know kuti you qualify for this job huh tell me?”….”Patience have mercy on that girl.She has told you the reason why she forgotten them and now you are scolding her on the first day.”I looked kwaibva voice iri ndikaona riri revamwe baba vaive vakamira pafire place.”Don’t bother my child you can bring them tomorrow. I’m Mr Mada nice to meet you.”the man said smiling. Ndakanzwa hana yangu kudzikama.Ndakavaudza zita rangu .Mai Mada hapana zvimwe zvavakazotaura futi.Door rakabva ravhurwa zvine simba ndokubva ndashamiswa nezvandakaona????

End of Chapter 1

For comments
0777699069