Ndinokuda Zimbabwe

Ndinokuda Zimbabwe
Ndinokuda Zimbabwe.
Ndokuisa Payiko.
Mukanwa ungazara mate .
Muhomwe Haukwani.
Muhapwa Unganhuwa Dikita.
Muchikwama ungabiwa Namatsotsi paMbare.
Uri Nyika Yohuchi Nomukaka.
Kubva Zambezi kusvika limpopo Matatya.
Vana Vako Vese wakayamwisa Vakaguta.
Vakadzi Ihofori varume Ihambura makaka.
Anongova Matondo Nemiti Inorapa.
ko ini Ndinokwanawo Papiko Apa.
Ndokuisa Payiko pamba pano .
Ndinokuda Zimbabwe ,

“Kudai Uri Nzimbe Ndaidya Namakanda.
Uri nyika Ndaigara zvangu ndoga.
Uri Mbambaira Ndaidyara mudoro.
Kudayi uri tsvigiri ndaikurunga Muputugadzike.
Uri Munyu Ndaikurunga muusavi.
Kudai uri Nzungu Ndaimedza namakanda.

Ndinokuda Zimbabwe
Ndokuisa Payiko .
Mukanwa Ungazara mate ,
muhomwe Haukwani.
Muhapwa Unganhuwa Dikita.
Muchikwama Ungabiwa NamaTsotsi PaMbare.

Kudayi uri Sango Ndaikutsvagira Shumba.
Uri Munda Ndairima Kusvika Kumucheto.
Uri Gomo Ndaikwira Nyamatsatse.
Uri Rwendo ndaifamba Kusvika Ndasvika.
Kudayi uri Nyama Ndaidya Ndoga.
Kudayi uri Chirwere ndairwara Zvangu.
Ndokuisa Payiko.
Mukanwa ungazara Mate
Muhomwe Haukwani.
Muhapwa Unganhuwa Dikita.
Muchikwama Ungabiwa NamaTsotsi PaMbare.
Uri Husvungu ?
Mbambande
Svusvura ndadya,
Mhodzi YeChingwa
Mutsenga Ndakaringe Nzira.
Wokuti ndinopedza Miti Yose kuti , Pftru u u u !
Seharati ndisina kana kumbomwira Mvura.
Norunako rwako Mwanasikana.
Muhomwe Haukwani ,
Mukanwa Ungazara Mate.
Muhapwa Unganhuwa Dikita.
Muchikwama Ungabiwa NaMaTsotsi PaMbare.
Ndokuisa Payiko.!?!??!!!!!.?!?.

Ndinokuda Zimbabwe.